Galatians 6

Kuita zvakanaka kuna vose

1Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwawo. 2Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu. 3Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera. 4Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise nomumwe munhuwo, 5nokuti mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake.

6Ani naani anogamuchira dzidziso mushoko anofanira kugovana nounomudzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.

7Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara. 8Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo. 9Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo. 10Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi.

Kwete Kudzingiswa, asi Chisikwa Chitsva

11Tarirai kukura kwamavara andinoshandisa sezvo ndichikunyorerai imi noruoko rwangu!

12Avo vanoda kuzviratidza kuti vakanaka nechokunze vanoedza kukumanikidzai kuti mudzingiswe. Vanongoita izvi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu. 13Kunyange naivo vakadzingiswa havateereri murayiro, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vagozvikudza pamusoro penyama yenyu. 14Ini ngandirege kutongozvikudza kunze kwomumuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, uyo kubudikidza nawo nyika yakarovererwa kwandiri, uye ini kunyika. 15Kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvirevi chinhu; chinokosha ndiko kuva chisikwa chitsva. 16Rugare nengoni kuna avo vanotevera murayiro uyu, kunyange kuIsraeri yaMwari.

17Pakupedzisira, ngakurege kuva nomunhu anonditambudza, nokuti ndakatakura mumuviri wangu mavanga aJesu.

18Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni.

Copyright information for SnaBDSC